Переводы на язык шона, Зимбабве


Куприянов Вячеслав

Перевод на язык шона Ченьерай Хове, Зимбабве (Chenjerai Hove, Zimbabwe)

Chidzidzo Chokuimba

Vanhu vakatanga kuvaka
Chizarira
Vasina mapapiro.

Muzvizarira umu
Vane mapapiro
Vanoshaura
Chishuvo chokubhururuka.

Mberi kwezvizarira zvose
Vasina mapapiro
Vokurukura
Nezverusunguko rwezvizarira.


УРОК ПЕНИЯ – 1

Человек
изобрел клетку
прежде
чем крылья

В клетках
поют крылатые
о свободе
полета

Перед клетками
поют бескрылые
о справедливости
клеток



*****************************



Mushereketi
Kare kare pasichigare
Kwaive nemushereketi
Wembiri kupinda pasi rose.

Munhu uyu aishereketa
Achiita mashura asozivikanwa.
Asi aizvininipisa hake
Asingazvirovi dundundu,
Pasina ane hanya naye,
Achimbonyangarika zvake chinyararire
Asingadzoki.

Ainyangarikavo muchivande
Asingadzokizve.

Muchayeuka here
Paimbova nemushereketi
Ane mbiri kupinda vose
Vose vepasi rino?

***********
ВОЛШЕБНИК

Жил на свете
великий волшебник,
самый великий
на свете.

Он мог совершить
невозможное:
жизнь прожить
так незаметно,
что никто его не заметит,
мог незаметно
исчезнуть
и не вернуться.

И он исчез незаметно.
Он не вернется.

Помните,
жил на волшебник,
самый великий
на свете?



Ndinongonzwa zvangu

Hana ichingorova
Ndine umwe munhu pedo neni.
Kana ndine umwe

Ndinongonzwa
Sokunge ndiri dhayamondi
Rakamedzwa
Nehuku.

Ndinoonazve umwe
Akanditarisisa
Sokunge ndiri sheche
Yakamedza dhayamondi.

Asi zviri pachena hazvo
Kuti hana yangu inogadzikana
Ndine vaya vandinobata
Sokubata kunoita dhayamondi
Rimwe raro.

Asi dzimwe nguva
Ndinoshuva vaya
Vandinotaura nayo nyambo
Sehuku
Kune dzimwe huku.



***

Как-то бывает
не по себе
с кем-то вдвоем.

С кем-то
чувствую себя
будто я бриллиант
проглоченный
курицей.

Кто-то вижу
глядит на меня
будто я курица
проглотившая
бриллиант.

Конечно
приятней всего с теми
с кем я могу обращаться
как бриллиант
с бриллиантом.

Но порою
так не хватает тех
с кем можно говорить просто:
как курица
с курицей.





***

Pasi Rose Rotumbuka
Pasi penge ruva
Rakachena kuti mbee.
Matama aro
Achitsaukana zvawo –
Yuropi,
Azhia,
Afrika,
Amerika,
Austrariya.

Zvadzinenge dzichadonhazve.

Vamwe vachachemera
matsutso egore rapera.
apo vakaparadzaniswa
nemakungwa nemiganhu
yoga.



РАСШИРЯЮЩАЯСЯ ВСЕЛЕННАЯ

Расцветает Земля
как фиалка
друг от друга все дальше
ее лепестки
Европа
Азия
Африка
Америка
Австралия

А потом они облетят
Люди будут грустить
о прекрасной ушедшей весне
когда их разделяли
только моря
и границы



***

Kambo Kasingagumi
Vana
Vanotamba zvavo
Mumushana.

Hedzo
Nyenyedzi
Dzakakumirirai.

Vakuru,
Musapaparika
Kuinda mumimvuri,

Vana
Vangakuteverai
Kwamainda ikoko.

Mwayai mbeu,
Ivhu
rakamirira.

Rudo urwo,
Mwedzi
wagara.

Mugungwa
Runyemwerero,
Tarisai henyu
Muone uso hwenyu.

Vana,
Tambayi henyu,
Mumushana.

(Dzakaturikirwa naChenjerai Hove, Zimbabwe)



ВЕЧНАЯ ПЕСНЯ

Дети, играйте
на солнце!

Вас
уже ожидают
звезды.

Взрослые,
в тень не спешите:

за вами
идут
дети.

Сейте,
земля
ждет.

Любите,
луна
восходит.

В море улыбок
ищите
свое отраженье.

Дети,
играйте
на солнце




Вячеслав Куприянов, 2012

Сертификат Поэзия.ру: серия 1109 № 94228 от 19.07.2012

0 | 1 | 2004 | 20.04.2024. 07:32:18

Произведение оценили (+): []

Произведение оценили (-): []


Поэт - он и в Африке поэт!!!
Л.